Amosi8sna_bib

Tswanda yemichero yakaibva

1Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva.2Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve.3“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.”4Inzwai izvi imi munotsika-tsika vanoshayiwauye muchiparadza varombo venyika,5muchiti,“Kugara kwoMwedzi kuchapfuura rinikokuti tigotengesa zviyo,uye kupera kweSabatakuti tigotengesa gorosi?”muchitapudza chiero,muchikwidza mitengouye muchibiridzira nezvikero zvinonyengera,6muchitenga varombo nesirivhauye vanoshayiwa neshangu,muchitengesa kunyange makoto pamwe chete negorosi.7Jehovha apika noKuzvikudza kwaJakobho achiti, “Handizokanganwi chinhu chipi nechipi zvacho chavakaita.8“Ko, nyika haingadederi nokuda kwaizvozvi hereuye vose vanogara mairi havangachemi?Nyika yose ichadira seNairi,ichabvongodzwauye igoderera sorwizi rweIjipiti.9“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,“ndichaita kuti zuva rivire masikati makuruuye ndichauyisa rima panyika masikati machena.10Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema,nokuimba kwose kuti kuve mhere.Ndichaita kuti mose mupfeke masagauye mugoveura misoro yenyu.Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga,uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.
11“Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha,“andichatumira nzara panyika yose,kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura,asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.12Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwavachienda kune rimwe gungwa,uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva,vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.13“Pazuva iro,“mhandara dzakaisvonaka namajayaakasimba vachaziya nenyota.14Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti,‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti,‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’vachawa,vasingazomukazve.”