Amosi4sna_bib

Israeri haina kudzokera kuna Mwari

1Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani paGomo reSamaria,imi vakadzi vanodzvinyirira varombouye vanopwanya vanoshayiwa muchiti kuvarume venyu, “Tiunzirei zvokunwa.”2Ishe Jehovha apika noutsvene hwake achiti,“Zvirokwazvo nguva ichasvikayamuchatorwa nezvikokovono,vokupedzisira pakati penyu nezviredzo.3Muchabuda pakarepo mumwe nomumwe,napakakoromoka masvingo,uye mucharasirwa kunze makananga kuHamoni,”ndizvo zvinotaura Jehovha.4“Endai kuBheteri mundotadza;endai kuGirigari mundowedzera kutadza kwenyu.Uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani namangwanani,zvegumi zvenyu mushure mamakore matatu.5Pisai chingwa chine mbiriso sechibayiro chokuvongamuzvirumbidze pamusoro pezvipiriso zvenyu zvokupa nokuzvisarudzira,zvirumbidzei nazvo, imi vaIsraeri,nokuti izvi ndizvo zvamunofarira kuita,”ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.6“Ndakakupai matumbu asina chinhu mumaguta makuru oseuye ndikakushayisai chingwa mumaguta maduku ose,kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
7“Ndakamisawo mvurakuti isanaya kwasara mwedzi mitatu kuti mukohwe.Ndakatumira mvura kuguta rimwe chetendikasanayisa kune rimwe.Mumwe munda wakawana mvuramumwe wakashayiwa uye ukaoma.8Vanhu vakadzedzereka vachibva kune rimwe guta vachienda kune rimwe kundotsvaka mvura,asi havana kuwana yaivaringana kuti vanwe,kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
9“Kakawanda kwazvo ndakarova mapindu neminda yenyu yemizambiringa,ndakairova nechirwere nokuvhuvha.Mhashu dzakaparadza mionde nemiti yenyu yemiorivhi,kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
10“Ndakatumira hosha pakati penyusezvandakaita kuIjipiti.Ndakauraya majaya enyu nomunondo,pamwe chete namabhiza enyu akapambwa.Ndakazadza mhino dzenyu nokunhuhwa kwemisasa yenyu,asi hamuna kudzokera kwandiri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
11“Ndakaparadza vamwe venyusokuparadza kwandakaita Sodhomu neGomora.Makanga makaita sorukuni runotsva, rwabviswa mumoto,asi hamuna kudzokera kwandiri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.
12“Naizvozvo izvi ndizvo zvandichaita kwauri, Israeri,uye nokuti ndichaita izvi kwauri,gadzirira kusangana naMwari wako, iwe Israeri.”
13Iye anoita makomo,ndiye anosika mhepo,ndiyezve anozivisa pfungwa dzake kumunhu,Iye anoshandura mangwanani akava rima,anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika,Jehovha Mwari Wamasimba Ose ndiro zita rake.