Amosi3sna_bib

Zvapupu zvinodaidzwa kuti zvizopomera Israeri mhosva

1Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti:2“Ndimi moga vandakasarudzapamhuri dzose dzapanyika;naizvozvo ndichakurangainokuda kwezvivi zvenyu zvose.”
3Ko, vaviri vangafamba pamwe chetevasina kunge vatenderana here?4Ko, shumba ingaomba mudondoisina chayaruma here?Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here?5Ko, shiri ingawira pasi mumusungopasina kuteyiwa rugombe here?Ko, musungo ungaurukira kumusoropasina chawabata here?6Hwamanda ingarira muguta,vanhu vakasatya here?Njodzi painowira guta,ko, haazi Jehovha anenge azviita here?
7Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhuasina kuzivisa varanda vake,vaprofita, zvakavanzika zvake.
8Shumba yaomba,ndiani angarega kutya?Ishe Jehovha ataura,ndiani angarega kuprofita?
9Paridzirai nhare dzeAshidhodhinenhare dzeIjipiti muchiti:“Unganai pamakomo eSamaria;onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro,noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.”
10“Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha,“ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.”11Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha,“Muvengi achatora nyika; achawisira pasi nzvimbo dzakouye achapamba nhare dzako.”12Zvanzi naJehovha:“Mufudzi sezvaanobvuta pamuromoweshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve,vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo,avo vanogara muSamariapamicheto yemibhedha yavo,nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.”13“Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose.14“Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo,ndichaparadza aritari dzeBheteri;nyanga dzearitari dzichaparadzwauye dzichawira pasi.15Ndichaparadza imba yenguva yechando,pamwe chete neimba yenguva yechirimo;dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwauye dzimba huru dzichaparadzwa,”ndizvo zvinotaura Jehovha.