Amosi1sna_bib

1Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri.2Akati:“Jehovha anoomba ari paZioniuye anotinhira ari paJerusarema;mafuro avafudzi anooma,pamusoro peKarimeri panosvava.”

Vavakidzani veIsraeri vanotongwa

3Zvanzi naJehovha:“Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko,kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.Nokuti vakapura Gireadhinemipuro ina meno amatare,4ndichatumira moto paimba yaHazaeriuchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi.5Ndichavhuna suo reDhamasiko;ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheniuye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni.Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,”ndizvo zvinotaura Jehovha.6Zvanzi naJehovha:“Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza,kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.Nokuti vakatapa rudzi rwoseuye vakavatengesa kuEdhomu,7ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGazauchaparadza nhare dzake.8Ndichaparadza mambo weAshidhodhiuye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni.Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironikusvikira vaFiristia vose vapera kufa,”ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.9Zvanzi naJehovha:“Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire,kunyange zvina handingadzori hasha dzangu.Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa,akasacherechedza sungano youkama,10ndichatuma moto pamasvingo eTire,uchaparadza nhare dzake.”11Zvanzi naJehovha:“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu,kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.Nokuti akadzinganisa mununʼuna wake nomunondo,akaramba kumunzwira tsitsi,nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro,uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimisa,12ndichatuma moto pamusoro peTemaniuchaparadza nhare dzeBhozira.”13Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni,kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi,kuti awedzere miganhu yake,14ndichatungidza moto pamasvingo eRabhauchaparadza nhare dzaro,pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa,pakati pemhepo huru nezuva redutu.15Mambo wake achaenda kuutapwa,iye namakurukota ake pamwe chete,”ndizvo zvinotaura Jehovha.