1 Makoronike5sna_bib
Rubheni
1Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri. (Ndiye aiva dangwe, asi paakasvibisa nhoo yewaniso yababa vake, kodzero dzoudangwe hwake dzakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; saka haana kuzoverengerwawo munhoroondo dzamadzitateguru ake maererano nekodzero yokuberekwa kwake.2Uye kunyange zvazvo Judha aiva akasimba kwazvo kupfuura vana vababa vake vose, uye kunyange zvazvo mutongi akazobuda maari, kodzero youdangwe yaiva yaJosefa.)3Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri vaiva:Hanoki, Paru, Hezironi naKarimi.4Zvizvarwa zvaJoere zvaiva: Shemaya mwanakomana wake, Gogi mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake,5Mika mwanakomana wake, Reaya mwanakomana wake, naBhaari mwanakomana wake.6Uye naBheera mwanakomana wake uyo akatorwa akaiswa muutapwa naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Bheera akanga ari mutungamiri wavaRubheni.7Hama dzavo nedzimba dzavo dzakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo dzaiva: Jeyeri aiva Ishe, naZekaria uye8Bhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoere.
Vakagara munzvimbo yaibva kuAroeri kusvikira kuNebho neBhaari Meoni.9Kumabvazuva vakatora nyika kusvikira pamuganhu wegwenga rinosvika kuRwizi Yufuratesi nokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda muGireadhi.10Panguva yokutonga kwaSauro vakarwa navaHagiri vakavakunda vakagara mumatende avaHagiri mudunhu rose rokumabvazuva eGireadhi.