1 Makoronike27sna_bib
Mapoka eHondo
1Aya ndiwo mazita avaIsraeri, vakuru vemhuri, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, namachinda avo, vaishandira mambo mune zvose pamusoro pamapoka avarwi ainge ari pabasa mwedzi nomwedzi mugore rose. Boka rimwe nerimwe raiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.2Aitungamirira boka rokutanga mwedzi wokutanga, aiva Jashobheami mwanakomana waZabhidhieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.3Aiva chizvarwa chaPerezi uyewo ari mukuru wavakuru vavavarwi vose mumwedzi wokutanga.4Aitungamirira boka remwedzi wechipiri ainzi Dhodhai muAhohi; Mikiroti ndiye aiva mutungamiri weboka rake. Muboka rake maiva nezviuru makumi maviri nezvina.5Mukuru wavarwi wechitatu mumwedzi wechitatu ainzi Bhenaya mwanakomana waJehoyadha muprista. Ndiye aiva mukuru uye muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.6Uyu ndiye Bhenaya uya aiva mumwe woumhare pakati paMakumi Matatu uye aiva pamusoro paMakumi Matatu vacho. Mwanakomana wake Amizabhadhi ndiye aitungamirira boka rake.7Wechina pamwedzi wechina, aiva Asaheri mununʼuna waJoabhu; mwanakomana wake Zebhadhia ndiye akamutevera pakutungamirira boka iri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.8Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.9Wechitanhatu pamwedzi wechitanhatu, aiva Ira mwanakomana waIkeshi muTeko. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.10Wechinomwe pamwedzi wechinomwe, aiva Herezi muPeroni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.11Worusere, pamwedzi worusere, aiva Sibhekai muHushati muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.12Wechipfumbamwe, mumwedzi wechipfumbamwe, aiva Abhiezeri muAnatoti, muBhenjamini. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.13Wegumi, mumwedzi wegumi, aiva Maharai muNetofati, muZerahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.14Wegumi nomumwe, mumwedzi wegumi nomumwe, aiva Bhenaya muPiratoni, muEfuremu. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.15Wegumi navaviri, mumwedzi wegumi nemiviri, aiva Heridhai muNetofati, aibva mumhuri yaOtinieri. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.Machinda aMarudzi
16Machinda pamusoro pamarudzi aIsraeri aiti:pamusoro pavaRubheni: Eriezeri mwanakomana waZikiri; pamusoro pavaSimeoni: Shefatia mwanakomana waMaaka;17pamusoro paRevhi: Hashabhia mwanakomana waKemueri; pamusoro paAroni: Zadhoki;18pamusoro paJudha: Erihu, mununʼuna waDhavhidhi; pamusoro paIsakari: Omiri mwanakomana waMikaeri;19pamusoro paZebhuruni: Ishimaya mwanakomana waObhadhia; pamusoro paNafutari: Jerimoti mwanakomana waAzirieri;20pamusoro pavaEfuremu: Hoshea mwanakomana waAzazia; pamusoro pehafu yorudzi rwaManase: Joere mwanakomana waPedhaya;21pamusoro pehafu yorudzi rwaManase muGireadhi: Idho mwanakomana waZekaria; pamusoro paBhenjamini: Jaasieri mwanakomana waAbhineri;22pamusoro paDhani: Azareri mwanakomana waJerohamu.
Ava ndivo vaiva machinda pamusoro pamarudzi avaIsraeri.23Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga.24Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga varume ava asi haana kuzopedza. Kutsamwa kwakauya pamusoro peIsraeri nokuda kwokuverengwa uku, saka uwandu uhu hahuna kuiswa mubhuku renhoroondo dzegore negore raMambo Dhavhidhi.