1 Makoronike26sna_bib
Vachengeti veMikova
1Mapoka avachengeti vemikova aiva:Kubva kuvaKora: Mesheremia mwanakomana waKore, mumwe wavanakomana vaAsafi.2Mesheremia aiva navanakomana vaiti: Zekaria dangwe, Jedhiaeri wechipiri, Zebhadhia wechitatu, Jatinieri wechina,3Eramu wechishanu, Jehohanani wechitanhatu, naEriehoenai wechinomwe.4Obhedhi-Edhomu aivawo navanakomana vaiti: Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wechipiri, Joa wechitatu, Sakari wechina, Netaneri wechishanu,5Amieri wechitanhatu, Isakari wechinomwe naPeuretai wechisere. (Nokuti Mwari akanga aropafadza Obedhi-Edhomu.)6Mwanakomana wake Shemaya aivawo navanakomana vaiva: vatungamiri mumhuri yababa vavo nokuti vaiva varume vaikwanisa kwazvo.7Vanakomana vaShemaya vaiti: Otini, Refaeri, Obhedhi naErizabhadhi; hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa.8Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu. Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete.9Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete.10Hosa muMerati aiva navanakomana vaiti: Shimiri wokutanga (kunyange zvake akanga asiri dangwe, baba vake vakamuita wokutanga.)11Hirikia wechipiri, Tabharia wechitatu naZekaria wechina. Vanakomana nehama dzaHosa vaiva gumi navatatu vose pamwe chete.12Aya mapoka avachengeti vamasuo, kubudikidza navakuru vavo, vaiva nemabasa okushumira mutemberi yaJehovha, sezvaingoitawo hama dzavo.13Mijenya yakakandwa nokuda kwesuo rimwe nerimwe, maererano nemhuri dzavo, vadiki nevakuru pamwe chete.14Mujenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia. Zvino mijenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari.15Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obhedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake.16Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reShareketi kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa.
Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi.17Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva, kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva, zasi kuine vana pazuva uye vaviri panguva imwe chete padura.18Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo.19Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.