1 Makoronike
25
/
sna_bib
share
Share
Vaimbi
1
Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemani naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri.
2
Kubva kuvanakomana vaAsafi: Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo.
3
Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake: Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia naMatitia, vatanhatu pamwe chete, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita achishandisa mbira mukuvonga nokurumbidza Jehovha.
4
Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake: Bhukia, Matania, Uzieri, Shubhaeri naJerimoti; Hanania, Hanani, Eriata, Gidhariti naRomamiti-Ezeri; Joshibhekasha, Maroti, Hotiri naMahazioti.
5
Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu.
6
Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo mukuimba mutemberi yaJehovha, nomukuridza makandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo.
7
Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere navasere.
8
Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo.
9
Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; wechipiri kuna Gedharia, iye nehama dzake navanakomana vake—gumi navaviri;
10
wechitatu kuna Zakuri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
11
wechina kuna Iziri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
12
wechishanu kuna Netania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
13
wechitanhatu kuna Bhukia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
14
wechinomwe kuna Jesarera, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
15
worusere kuna Jeshaya, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
16
wepfumbamwe kuna Matania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
17
wegumi kuna Shimei, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
18
wegumi nomumwe kuna Azareri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
19
wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
20
wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
21
wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
22
wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
23
wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
24
wegumi neminomwe kuna Joshibhekasha, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
25
wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
26
wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
27
wamakumi maviri kuna Eriata, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
28
wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
29
wamakumi maviri nemiviri kuna Gidhariti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
30
wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri;
31
wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri.
Powered by Seed Bible API
expand_more
Search
All books
Old Testament
New Testament
chevron_left
Previous Chapter
Books
search
Search
explore
Discover
chevron_right
Next Chapter