1 Makoronike16sna_bib
1Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.2Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.3Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma.4Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:5Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira6uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.